Shiri akapiwa mutongo


06 Mar 24

Click here to watch video

Mutungamiri wesangano reSpring for Living Waters ,Simabyu Shiri (35) akapiwa mutongo nezuro 05 Kurume 2024 nemhosva yekuzvambaradza mwana wesangano.

Shiri akapiwa mutongo wegore naMejasitireti Cheryl Tembo ,asi pakazobviswa mwedzi mitatu kuri kuti haana kuzopara mhosva yakafanana neiyi mumakore mashanu.

Imwe mwedzi mipfumbamwe yakaiswa parutivi kuri kuti ashanda kwenguva yakareba 315 hrs pakamba yeMaporisa yeGarandichauya kuMbizo kutanga musi wa06 Kurume 2024.

Shiri akarova Violet Ndhleleni (54) musi wa 14 Kukadzi 2024 achishandisa mambama ,achimupomera mhosva yekuita guhwa.

Veruzhinji vakatsoropodza muitiro waShiri vachiti ayifanira kuzvidzora semutungamiri wechitendero.